Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunamata Zvifananidzo

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunamata Zvifananidzo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Johani 5:21

Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

02 Ekisodho 20:3-4

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.

03 1 VaKorinde 10:14

Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.

04 VaKorose 3:5

Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.

05 Mateo 6:24

“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

06 Ekisodho 20:5

Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

07 Mapisarema 115:4-8

Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza; zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

08 Jona 2:8

“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.

09 Isaya 42:8

“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

10 VaRoma 1:25

Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.

11 1 VaKorinde 6:9-10

Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

12 Dhuteronomi 6:14

Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai;

13 VaGaratia 5:19-21

Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

14 Habhakuki 2:18

“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

Misoro ine chekuita