Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuzvikudza

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuzvikudza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 16:18

Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.

02 Zvirevo 11:2

Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

03 Jakobho 4:6

Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

04 Zvirevo 16:5

Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

05 1 Petro 5:5

Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

06 Zvirevo 8:13

Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.

07 Zvirevo 18:12

Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

08 Zvirevo 29:23

Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.

09 Isaya 2:11

Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.

10 Ruka 14:11

Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”

11 VaGaratia 6:3

Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.

12 VaRoma 12:3

Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.

13 Zvirevo 3:34

Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.

Misoro ine chekuita