Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMakaro

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neMakaro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Ruka 12:15

Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”

02 1 Timoti 6:10

Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.

03 VaHebheru 13:5

Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.”

04 Mateo 6:24

“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

05 Zvirevo 11:28

Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro.

06 Muparidzi 5:10

Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.

07 Zvirevo 28:25

Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

08 1 Timoti 6:9

Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.

09 Ruka 16:13

“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”

Misoro ine chekuita