Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neGodo
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neGodo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
01 Jakobho 3:16
Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa.
Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.
05 1 Petro 2:1
Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.
06 Tito 3:3
Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana.
Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.