Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuvava kwoMwoyo

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuvava kwoMwoyo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 12:15

Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.

02 VaEfeso 4:31

Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.

03 VaEfeso 4:32

Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.

04 VaKorose 3:13

Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

05 VaHebheru 12:14-15

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.

06 1 VaKorinde 13:5

Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.

Misoro ine chekuita