Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMuedzo

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neMuedzo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaKorinde 10:13

Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

02 Jakobho 1:13-14

Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.

03 VaHebheru 4:15

Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.

04 Mateo 26:41

Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”

05 Jakobho 4:7

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

06 Jakobho 1:12

Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.

07 Mapisarema 119:11

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.

08 1 VaKorinde 10:12

Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!

Misoro ine chekuita