Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuchiva

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuchiva dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 5:28

Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.

02 1 Johani 2:16

Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.

03 Jobho 31:1

“Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.

04 1 VaKorinde 6:18

Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.

05 VaGaratia 5:16

Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.

06 1 VaTesaronika 4:3-5

Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

07 2 Timoti 2:22

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

08 VaRoma 13:14

Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

09 VaKorose 3:5

Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.

10 Zvirevo 6:25

Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,

11 Tito 2:11-12

Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,

12 1 Petro 2:11

Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.

13 VaRoma 6:12

Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho.

14 1 VaKorinde 6:19-20

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

Misoro ine chekuita