Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neUtiziro

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neUtiziro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 46:1

Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

02 Mapisarema 62:8

Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

03 Zvirevo 18:10

Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

04 Mapisarema 9:9

Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

05 Nahumi 1:7

Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,

06 Mapisarema 91:2

Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”

07 Mapisarema 18:2

Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

08 Mapisarema 32:7

Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera

09 Mapisarema 61:3-4

Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera

10 Mapisarema 142:5

Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.”

11 Dhuteronomi 33:27

Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’

12 Mapisarema 31:1-2

Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.

13 2 Samueri 22:3

Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.

Misoro ine chekuita