Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Nhoo Yedu
Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Nhoo Yedu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.”
Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
“Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.
Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.
Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.