Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neDziviriro

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neDziviriro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 91:1-2

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”

02 Mapisarema 121:7-8

Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

03 Isaya 41:10

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

04 2 VaTesaronika 3:3

Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa.

05 Mapisarema 32:7

Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera

06 Mapisarema 121:1-3

Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;

07 Zvirevo 18:10

Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

Misoro ine chekuita