Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKununurwa

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKununurwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 34:17

Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

02 Mapisarema 18:2

Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

03 2 VaKorinde 1:10

Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,

04 Mapisarema 40:1-2

Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

05 Dhanieri 6:27

Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”

06 Mapisarema 34:4

Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

07 Mapisarema 107:6

Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

08 2 Timoti 4:18

Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

09 Mapisarema 50:15

uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

10 VaKorose 1:13

Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda,

Misoro ine chekuita