Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutiza Chivi
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutiza Chivi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.
Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.
Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.
Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.
Regai zvakaipa zvose.
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.