Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMusarega Kuungana
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMusarega Kuungana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.”
Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
“Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake.