Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKufunganya

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neKufunganya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 4:6-7

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

02 1 Petro 5:7

Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

03 Mateo 6:25

“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?

04 Mapisarema 55:22

Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

05 Johani 14:27

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

06 Mapisarema 94:19

Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

07 Zvirevo 12:25

Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.

08 Isaya 41:13

Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.

09 2 VaTesaronika 3:16

Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.

10 Mapisarema 46:1

Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

11 Mateo 11:28-30

“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”

Misoro ine chekuita