Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunyaradzwa

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunyaradzwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 VaKorinde 1:3-4

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

02 Mapisarema 23:4

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.

03 Mateo 5:4

Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.

04 Mapisarema 119:50

Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.

05 Isaya 40:1

Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

06 Mapisarema 34:18

Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

07 Johani 14:16

Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,

Misoro ine chekuita