Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuchema
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuchema dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
Jesu akachema.
Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro.
Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza.
Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.