Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunetseka
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunetseka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.
“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka.
Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?