Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTakasikwa Nokushamisa

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neTakasikwa Nokushamisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 139:14

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

02 Mapisarema 139:13

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

03 Genesisi 1:27

Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

04 Jeremia 1:5

“Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”

05 VaEfeso 2:10

Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

06 Mapisarema 139:15

Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

07 Mapisarema 139:16

meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

08 Isaya 64:8

Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu.

09 Genesisi 1:31

Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

10 Mapisarema 8:5

Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

11 Mapisarema 100:3

Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.

12 Isaya 43:1

Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu.

13 Jobho 10:8

“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here?

14 Genesisi 9:6

“Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.

15 Isaya 43:7

vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”

Misoro ine chekuita