Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChiedza chenyika

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neChiedza chenyika dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 5:14

“Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

02 Mateo 5:16

Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

03 VaEfeso 5:8

Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza

04 VaFiripi 2:15

kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

05 Johani 8:12

Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

06 VaEfeso 5:11

Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

07 1 VaTesaronika 5:5

Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.

08 Mabasa 13:47

Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”

09 Johani 12:36

Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.

10 Isaya 60:1

“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

11 Dhanieri 12:3

Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.

12 VaRoma 13:12

Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13 1 Johani 1:7

Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

14 2 VaKorinde 4:6

Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu.

Misoro ine chekuita