Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMudiwa

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neMudiwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 3:12

Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.

02 1 Johani 3:1

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.

03 VaRoma 1:7

Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.

04 VaEfeso 1:6

kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.

05 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:4

Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

06 Jeremia 31:3

Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.

07 Dhuteronomi 33:12

Pamusoro paBhenjamini akati: “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

Misoro ine chekuita