Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMunyu wenyika
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neMunyu wenyika dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
“Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.
Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.
Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,
Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.