Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKusunungurwa
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neKusunungurwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.
Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.
nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.
Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka.
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.
Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.
Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.