Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupupura

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupupura dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mabasa 1:8

Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”

02 Mabasa 4:20

Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”

03 1 Petro 3:15

Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

04 Johani 15:27

Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.

05 Mateo 5:16

Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

06 VaRoma 10:9-10

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

07 Johani 1:46

Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.”

08 Mabasa 22:15

Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.

09 Mapisarema 66:16

Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.

10 Johani 9:25

Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”

11 Mako 5:19

Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”

Misoro ine chekuita