Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neEndai Mundoudza
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neEndai Mundoudza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.
Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”
Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?” Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”
Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”
Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”
Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.