Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTsoka Dzakanaka

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neTsoka Dzakanaka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 10:15

Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”

02 Isaya 52:7

Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”

03 VaRoma 10:14

Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?

04 Nahumi 1:15

Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.

05 Mabasa 1:8

Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”

06 VaRoma 10:13

nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”

07 1 VaKorinde 9:16

Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri!

08 2 VaKorinde 5:20

Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.

09 Isaya 61:1

Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

Misoro ine chekuita