Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRudzi Rwose Norurimi
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neRudzi Rwose Norurimi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,
kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.
Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!”
Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.
“Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’ ”