Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuparidza Vhangeri

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuparidza Vhangeri dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mako 16:15

Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

02 VaRoma 1:16

Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.

03 VaRoma 10:17

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

04 1 VaKorinde 9:22

Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.

05 2 Timoti 4:2

Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka.

06 2 VaKorinde 5:20

Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.

07 Mabasa 4:12

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

08 Johani 3:16

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

09 Mabasa 8:4

Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.

10 VaRoma 10:9

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.

11 1 Petro 3:15

Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

12 Mateo 5:16

Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

13 Zvirevo 11:30

Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera.

14 Dhanieri 12:3

Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.

Misoro ine chekuita