Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutaura Kwakanaka
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutaura Kwakanaka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.
Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
Muromo womunhu akarurama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.
Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu. Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.
Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.
Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.
Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.
Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.
Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.
Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.