Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunonoka Kutaura
Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunonoka Kutaura dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,
Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.
Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.
Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.