Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRurimi

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neRurimi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Jakobho 3:5

Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.

02 Zvirevo 18:21

Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

03 Jakobho 3:6

Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.

04 Jakobho 1:26

Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.

05 Zvirevo 21:23

Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.

06 Zvirevo 15:4

Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.

07 VaEfeso 4:29

Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.

Misoro ine chekuita