Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunyunyuta
Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunyunyuta dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,
Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.
Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa.
Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!
Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”
“Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava.
Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo.
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.
Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu.
VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino!
Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?
Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika.