Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita nePfungwa dzaKristu Matiri

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita nePfungwa dzaKristu Matiri dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 2:5

Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:

02 VaFiripi 2:6-7

Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.

03 1 VaKorinde 2:16

“Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.

04 VaRoma 15:5

Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

05 VaKorose 3:2

Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

06 VaRoma 12:2

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

07 VaFiripi 2:2

ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

08 1 Petro 4:1

Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.

09 VaEfeso 4:23

kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu;

10 VaRoma 8:5-6

Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

11 VaKorose 3:1-2

Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

12 1 VaKorinde 2:12

Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.

13 VaGaratia 2:20

Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

14 VaFiripi 4:8

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

15 2 VaKorinde 10:5

Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.

Misoro ine chekuita