Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuzvininipisa

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuzvininipisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 2:3

Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

02 Jakobho 4:6

Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

03 Zvirevo 22:4

Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

04 Mika 6:8

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

05 VaRoma 12:3

Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.

06 1 Petro 5:5

Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

07 Zvirevo 11:2

Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

08 Zvirevo 15:33

Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

09 VaKorose 3:12

Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.

Misoro ine chekuita