Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKushambidza Tsoka
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKushambidza Tsoka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.
Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.
Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”
Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.
Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.
Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka.
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.