Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuisa Vamwe Pakutanga

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuisa Vamwe Pakutanga dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 2:4

Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.

02 VaRoma 12:10

Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

03 1 VaKorinde 10:24

Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

04 VaFiripi 2:3

Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

05 VaGaratia 6:2

Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.

06 1 VaKorinde 13:5

Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.

07 VaRoma 15:1-2

Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.

08 Mako 9:35

Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”

09 Johani 15:13

Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.

10 VaFiripi 2:5-7

Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.

11 1 VaKorinde 10:33

kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

12 VaRoma 12:16

Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

Misoro ine chekuita