Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Anokwidziridza Vanozvininipisa
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Anokwidziridza Vanozvininipisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure.
Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa.
Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.
Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
“Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”