Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuzvininipisa

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuzvininipisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Jakobho 4:10

Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

02 Zvirevo 16:19

Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.

03 Isaya 57:15

Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

04 Mateo 23:12

Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

05 Ruka 14:11

Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”

Misoro ine chekuita