Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKushandira vamwe

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKushandira vamwe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaGaratia 5:13

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

02 1 Petro 4:10

Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.

03 Mateo 25:40

“Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’

04 VaHebheru 6:10

Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.

05 VaRoma 12:11

Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

06 VaGaratia 6:10

Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

07 Mako 10:45

Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”

08 Johani 13:14

Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

09 VaFiripi 2:4

Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.

10 Mabasa 20:35

Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ”

11 1 VaKorinde 12:7

Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

12 Mateo 20:26-27

Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu,

13 VaEfeso 6:7

Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,

Misoro ine chekuita