Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neAkarurama Achararama Nokutenda
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neAkarurama Achararama Nokutenda dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”
Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handizofadzwi naye.”
Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.
Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.
Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.