Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMusha

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMusha dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 12 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 Joshua 24:15 Ndima huru

Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.”

02 Mapisarema 127:1

Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina.

03 Zvirevo 24:3-4

Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

04 Zvirevo 14:1

Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.

05 Mabasa 16:31

Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

06 Dhuteronomi 6:9

Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

07 Zvirevo 12:7

Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.

08 Zvirevo 15:6

Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.

09 Mapisarema 128:3

Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.

10 Zvirevo 31:27

Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.

11 1 Timoti 5:8

Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

12 Mapisarema 101:2

Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.

Misoro ine chekuita