Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMukadzi Ane Hunhu Hwakanaka
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMukadzi Ane Hunhu Hwakanaka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya. Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.
Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.