Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRudo Nokuremekedza
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neRudo Nokuremekedza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.