Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neVana

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neVana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 127:3

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari.

02 Mateo 19:14

Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”

03 Mapisarema 127:4-5

Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. Akaropafadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

04 Mako 10:16

Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.

05 Zvirevo 17:6

Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

06 Mako 10:14

Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.

07 Dhuteronomi 6:7

Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

08 Zvirevo 22:6

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

09 Mateo 18:5

“Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.

Misoro ine chekuita