Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neVarume Nevakadzi
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neVarume Nevakadzi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake.
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa,
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.