Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNyasha Dzinokwana
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neNyasha Dzinokwana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.
Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.
Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako.
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.