Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neVhangeri

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neVhangeri dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 1:16

Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.

02 1 VaKorinde 15:3-4

Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

03 Mako 16:15

Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

04 VaRoma 10:15

Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”

05 2 Timoti 1:10

asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.

06 1 VaKorinde 1:18

Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.

07 VaGaratia 1:8

Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!

08 VaRoma 1:17

Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”

Misoro ine chekuita