Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTakaponeswa Nenyasha

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neTakaponeswa Nenyasha dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Tito 3:5

akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

02 VaEfeso 2:8

Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

03 2 Timoti 1:9

akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,

04 Mabasa 15:11

Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”

05 VaRoma 11:6

Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.

06 Mabasa 16:31

Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

07 1 VaKorinde 15:10

Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.

08 VaRoma 5:8

Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.

09 Johani 1:17

Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.

10 VaGaratia 2:21

Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

11 VaRoma 3:24

uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.

12 VaEfeso 1:7

Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari

13 2 VaKorinde 8:9

Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.

Misoro ine chekuita