Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMashoko Akanaka kuVarombo
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neMashoko Akanaka kuVarombo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?
Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima, kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,
Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.
Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota; anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa. “Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.