Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRuponeso

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neRuponeso dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 10:9

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.

02 Mabasa 4:12

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

03 VaRoma 10:10

Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

04 Johani 3:17

Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.

05 Tito 2:11

Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.

06 2 VaKorinde 6:2

Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.

07 1 Timoti 2:4

Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.

Misoro ine chekuita