Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChisikwa chitsva
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neChisikwa chitsva dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva.
Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu.
mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.
Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.
Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”